Psalms 105

1Vongai Jehovha, danai kuzita rake;
zivisai zvaakaita pakati pendudzi.
2Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;
rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
3Ngarikudzwe zita rake dzvene;
mwoyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare.
4Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake;
tsvakai chiso chake nguva dzose.

5Rangarirai zvishamiso zvaakaita,
mabasa ake, nezvaakatonga zvaakareva,
6imi vana vaAbhurahama muranda wake,
haiwa vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.
7Ndiye Jehovha Mwari wedu;
kutonga kwake kuri munyika yose.

8Anorangarira sungano yake nokusingaperi,
iro shoko raakarayira, kuchiuru chezvizvarwa,
9sungano yaakaita naAbhurahama,
mhiko yaakapika kuna Isaka.
10Akaisimbisa kuna Jakobho somutemo,
nokuna Israeri sesungano isingaperi achiti,
11“Ndichapa nyika yeKenani kwauri
somugove wenhaka yako.”

12Pavaiva vashoma pakuwanda,
zvirokwazvo vari vashoma, uye vari vaeni mairi,
13vakadzungaira vachibva kuno rumwe rudzi kusvikira kuno rumwe rudzi.
Kubva kuno humwe ushe vachienda kuno humwe.
14Haana kutendera munhu kuvadzvinyirira;
akatuka madzimambo nokuda kwavo achiti,
15“Musabata vazodziwa vangu;
musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”

16Akadana nzara panyika
ikaparadza zvose zvaiuyisa zvokudya;
17uye akatuma munhu pamberi pavo,
iye Josefa, akatengeswa senhapwa.
18Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo
mutsipa wake ukaiswa mumatare esimbi,
19kusvikira zvaakareva zvazadziswa,
kusvikira shoko raJehovha raratidza kutendeka kwake.
20Mambo akatuma shoko kuti asunungurwe,
vatongi vavanhu vakamuregedza.
21Akamuita tenzi weimba yake,
nomutongi wepfuma yake yose,
22kuti arayire machinda ake sezvaaida
uye adzidzise vakuru vake njere.

23Ipapo Israeri akapinda muIjipiti;
Jakobho akagara somweni munyika yaHamu.
24Jehovha akawanza vanhu vake chose;
akavaita vazhinji kwazvo kupinda vavengi vavo,
25avo vaakashandura mwoyo yavo kuti ivenge vanhu vake,
kuti varangane pamusoro pavaranda vake.
26Akatuma Mozisi muranda wake,
naAroni, waakanga asarudza.
27Vakaita zviratidzo zvinoshamisa pakati pavo,
izvo zvishamiso zvake munyika yaHamu.
28Akatumira rima akaita kuti nyika ive murima,
nokuti havana kumukira shoko rake here?
29Akashandura mvura yavo zhinji ikava ropa,
zvikaita kuti hove dzavo dzife.
30Nyika yavo yakazara namatatya,
akapinda mudzimba dzamadzimambo avo.
31Akataura mapupira enhunzi akauya,
nenda munyika yavo yose.
32Akashandura mvura yavo ikava chimvuramabwe,
nemheni munyika yavo yose;
33akarova mizambiringa yavo nemionde yavo,
akaparadza miti yomunyika yavo.
34Akataura, mhashu dzikauya,
namagutaguta asingaverengeki;
35zvakadya miriwo minyoro yose munyika yavo,
zvikadya zvibereko zvevhu ravo.
36Ipapo akarova matangwe munyika yavo,
zvibereko zvokutanga zvesimba roujaya hwavo.

37Akabudisa Israeri akaremerwa nesirivha negoridhe,
kwakanga kusina akagumburwa pakati pamarudzi avo.
38Ijipiti yakafara pavakabva,
nokuti kutya vaIsraeri kwakanga kwavabata.
39Akatatamura gore rikava chifukidzo,
uye moto kuti uvhenekere usiku.
40Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.
41Akazarura dombo, mvura ikatubuka;
ikayerera mugwenga sorwizi.

42Nokuti akarangarira mhiko yake tsvene
yaakapa Abhurahama muranda wake.
43Akabudisa vanhu vake nomufaro,
vasanangurwa vake nokupembera kwomufaro;
44akavapa nyika dzendudzi,
vakagara nhaka yakanga yatamburirwa navamwe,
45kuti vachengete zvaakatema
uye vacherechedze mirayiro yake.

Rumbidzai Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC